Shoko rokuti kupoterera kana kupota rinoreva kuenda nenzira inotenderera. Mamwe mashoko anoreva zvimwe ndeanoti: kukomberera; kutenderera kana kumonereka, .
- Potererai nekuseri ndiko kune musuwo wekupinda nawo.
- Bhazi rinopoterera gomo kuti risvike pachikoro.
- Kupotereka kana kutendereka (circulate as in blood)
- Kumoneredza (1. Encircle. 2. Wind round) apa kureva kupoteredza.
- Kudzengerera kana kudzemberera (Circle purposefully).
- -dzengeredza (make to circle).
- Kudzerereka kana kuzerereka (Turn round and round quickly). Chipo aizerereka pamuzerere wakasungirwa pamupfuti.
- Kudzunguruka (go round as the hand of a clock).
- Kungwiririka rotate very fast).
- Kungwiriridza (to make something rotate)
- Kutenderera (to turn round and round; revolve)
- Kutenderedza (to cause something or someone to rotate)
- Kusika (to spin on axis especially stick held between extended palms).
- Kunyera kana kunyerereka (to spin; turn as a top).
- Kunyeresa (cause to spin).
- Kuzungura (rotate winnowing-basket, etc).
- Kupotereka, kutendereka, kutenderera, kundeya kana kuzeya (whirl round).
- Kundeya (to turn around on or as if on an axis).
- Kubomba (Go around) zvichireva kupota.
- Mugwagwa unomonereka kwazvo uchinzvenga makomo: the road takes many twists and turns to avoid the hills.
- Akamoneredza musha newaya: he ran a wire round his homestead.
- Gondo rinodzengerera pamusha kana raona huku: a hawk will circle about a village when it has seen a fowl.
- Waswerodzengeredza mombe pasina uswa, kusaka dzine nzara.
- KiKagulu inoti -bota (v. spin, twist). Umbundu vanoti pota (spin). Nyanja inoti ku-pota (to go round and round) kureva kupoterera.
- Nyanja vanoti kukweta (to turn). Nyanja inoti kukwetama (to go round; to turn) kureva kupoterera.
- Nyanja inoti kukwetera (to go round; wind) kureva kupoterera. VaNdau vanoti kupota (v. to go in; to enter).
- Nyanja inoti madzi akwetera pa pote (the water whirls at the pool) kureva mvura inomonerka padziva.
- Maconde inoti -pota kana -popota (v. twist, twine).