Rupandano
From Wikipedia, the free encyclopedia
Muchidzidzo masvomhu, izwi rokuti rupandano (Proportionality in English) rinocherechedza hukama huripo pakati pehuwandu hwezvipimwa zviviri. Ngatitii munhu anoshanda pabasa panobhadhara $60 pazuva (8hr). Kana akashanda 6 awa anenge achifanirwa kubhadharwa $45 kana kuti (60 x 6/8) nokuti ashanda Chiharu chezuva chete. Iyi ndiyo mari inoyenderana nenguva yaashanda. Akashandawo 4 awa, anenge akafanirwa kubhadharwa $30 kana kuti (60 x 4/8). Saka apa mubhadharo unopiwa serupande rwemari yepazuva rose rokubata basa (8hrs). Kutaura kwekuti Rupandano kunorevera kuti huwandu hwemari yabhadharwa hunofananidzwa nemari yekushanda zuva rose nechimedu chinonyorwa paenzane sezvizvi:
![Thumb image](http://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/4/47/Variables_proporcionals.png/220px-Variables_proporcionals.png)
Mari yabhadharwa = (Mari yepazuva x Nguva yashandwa)/(Nguva yekushandwa pazuva) = (60 x N) x 1/(8)
Kureva kuti chikamu chezuva chinobhadharwa chichitevera chivavatara cheRupandano 1/8, apa N anomirira awa dzashandwa pazuva. Munhu achinge ashanda zuva rose (8hr) anowana chikamu (8/8 = 1) chemari yepazuva, inova (60 X 1)