Masvomhu
From Wikipedia, the free encyclopedia
Masvomhu (kana kuti masamhu) ishoko rinoreva ruzivo gwekuongorora kuva nemusoro kwehuwandu, mamiriro ezvinhu uye marongekero angaitwa zvinhu. Masvomhu ibumbiro reruzivo rwakananganana nendangariro dzehuwandu, maumbirwo, nzvimbo, mapindukiro uyewo nehukama hwezvese izvi. Masvomhu anobatanidza zvidzidzo zvezvataurwa izvi zvinowanikwa muzvikoro.