Moto
From Wikipedia, the free encyclopedia
Moto (kureva fire) kana muriro, ndicho chiitiko chinoonekwa kana gasi rinonzi oxygen richipfutidza chinhu chiri kubvira. Kuti kuonekwe moto panofanirwa kuva nezvitatu zvinoti: hujoto hwakafanira; oxygen; nechinhu chinobvira. Runambi, murazvo wemoto kana rimi romoto rinosimuka kubva pari kubvira, rimi rine magasi anopisa.
- Sase, sasaradzi, bari, barikira, mabarikira kana tsatsi (spark/sparks) apa kureva kubarika kwemoto kana zvimwe zvinobarika zvakadai semagetsi.
Kuti moto usapise misha kana minda vanhu vanokura nzvimbo yakakomberedza misha zvoita kuti moto ukauya hauchapise dzimba kana mbesa. Maitiro aya anonzi kudzimurira kana kuvavira.
- Tsito (burn-out coals) apa kureva mazimbe asisina moto.
- Bviru kana ngandu (ideo of Blazing up suddenly).
- Runje (tinder, any light flammable material used to start a fire).
- -hatura (to catch fire).
- Tsiga kana chitsa (firebrand). Vamwe vatauri vanoti chitsika kana chitsiki.
- Makara (Live coals, burning coals) kureva maratya, marasha kana mazimbe. Kune zita remhuri rinonzi Makara uye Magara.
- Chisarachoto (firebrand after fire is out).
- Chimvari (1. Flying chip or spark; 2. Chip of wood.) kureva kapfarivari.
- Mavivi (garden rubbish for bonfire).
- Manyenjere (Shower of sparks (as when fire is poked).