Bununu zvinoreva munhu asina kupfeka mbatya. Mutsika dzenyika dzemuAfrica kusasimira chinhu chinozvidzwa uye chisingatenderwe pamitemo yenyika. Tsika zhinji dzemuAfrica dzinoti munhu akafamba asina kusimira ava kupenga kana kuti ane mamhepo. Chinhu chinoonekwa chichiratidza munyama kana kuti kutukwa pamunhu iyeye.

Kune dzimwe nyika dzekuMadokero, kuEurope, neNorth America mitemo yenyika inotendedza kuti kuve nenzvimbo dzinosangana vanhu vasian kusimira. Hazvizivikanwe kuti chinangwa chaicho chokunge vanhu vachisangana vasina kusimira ndechei.

Kurerutsa Mutauro

Kufukenyika zvinoreva kuva bununu. Mamwe mazwi anoreva kusasimira ndeanoti: mushutu, muhwi, mutwi, mupushu, mutitinini.

Mamwe Mazwi

  • Vagari vekamba dzaishungurudza vanhu kuGermany vakawanikwa vari mushutu - in a state of nakedness.
  • Dusa nguwani. Take off your hat. Kudusa zvichireva kubvisa panzvimbo - (take or bring away, off or out off).
  • Gunduma (ideo of Exposing what should be covered). Pfende yomukadzi inogundumadza mwana: a slovenly woman does not clothe her child properly.
  • Rundumara (Be unclothed, exposed to weather). Dhakwa rinofamba rakagundumara.
  • Bunumunu kana bunyumunyu (naked person)
  • Mabasi (naked). Avo vari mabasi.
  • Mushu (to be naked).
  • Kupushuka (to be naked).
  • mushutu, mupunu (a naked person).
  • Shuku (nakedness). Ane shuku: he is naked.
  • Mhumburu (1. naked person, 2. exposed object).
  • Utitinini (nakedness).
  • kwinya kwinya (ideophone of Walking naked).
  • -kwinyaidza (Make to walk about naked).
  • -kwinyaira kana -kwinyaika (Walk about naked).

Tsumo

  • Munhu asina mutimwi haasimiri mugwada. One without a waistband cannot wear a loin cloth (passed between the legs).

Mitauro yeChiBantu

  • VaHerero vanoti muzu (naked). Mamwe mazwi: omuzu (nakedness). Sokuti Omundu u ri muzu - the man is naked.
  • Lugwere vanoti bwer (n. nakedness, emptiness).
  • Bushong vanoti bukata (n. nakedness, naked).
  • Luganda inoti obwereere (n. nakedness). Luganda inoti bwereere (naked).

Wikiwand in your browser!

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.

Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.