Mhere (loud cry; raising alarm) zvinotaura kuchema munhu achishevedzera nezwi riri pamusoro. Munhu anokwanisa kuridza mhere zvichikonzerwa nezvinhu zvakawanda zvinosanganisira: kuvhundutswa nechinhu chinotyisa, kunzwa nhau dzerufu, kana kurohwa.

Tsika

  • Kuridza mhere kana kubura mhere (to howl or cry out) zvinoreva kuzhamba kana kuchema nezwi rakakwira.
  • Kana pamusha pachinge pafa munhu, varipo vanoridza mhere senzira yokuudza vavakidzani kuti pano pamusha paita rufu.
  • Akaimba muimbi Oliver Mtukudzi akati - Tumirai mhere kuvakuru kuno kwaita mabasa ....
  • Brenda Fassie akaimba: Noma nginga memeza ma akusizi lutho (Even if I scream, it won't help) - kunyangwe ndikazhamba hazvibatsire.

Tsumo

  • Aridza mhere, atya. One who has called for help has surrendered.

Mitauro yeBantu

  • Mang'anja vanoti kubula (to howl or cry out) kureva kuzhamba kana kushevedzera. VaDigo vanoti chema (to shout) kureva kushevedzera. Mamwe mazwi: chemi (yell, scream).
  • VaMambwe vanoti -pongomola (to raise the voice, to speak loudly) zvinoreva kubongomora.
  • MaZulu vanoti bongoza (Wail, cry aloud) kureva kubongomora. Mamwe mazwi: bongozela (Wail for).
  • MaZulu vanoti mbongoza (Wail loudly, howl with grief) kureva kubongomora. Sokuti: Abesifazane bakhala ngokumbongoza (The women are wailing loudly).

Wikiwand in your browser!

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.

Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.