Kurima
From Wikipedia, the free encyclopedia
From Wikipedia, the free encyclopedia
Kurima (farming) zvinoreva mabasa anoitwa kuchengeta mhuka dzakapfuyiwa uye kudyara nekukohwa mbesa. Kurima kunosanganisira kukama mukaka wemhuka dzakapfuyiwa, kucheka vhudzi remhuka dzakadai sehwayi; kusarura mukono unoberekesa nzvari; kusarura mbeu dzakanaka dzokudyara zvichingodaro.
Munyika zhinji dzeAfrica kurima ndihwo hushangazhi hune vanhu vakanyanya kuwanda vanoshandamo.
MuZimbabwe vanhu vazhinji vari kumaruwa vanoita mabasa ekurima. Vazhinji vanopfuya mhuka dzinosanganisira mombe; mbudzi; hwayi; huku; njiva; hanga; nguruve nedzimwewo. Kuminda vanodyara mbeu dzinosanganisira; chibage; donje; fodya; nzungu; nyimo; mbambaira nezvimwewo.
Madzinde anorimwa muvhu achizokohwewa kuti adyiwe kana kushandiswa nevanhu anonzi mbesa - crop of any kind. Panodyarurwa fodya kana muriwo, madzinde acho madiki ari kudyarurwa anonzi mbesanwa kana kuti nhondo.
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.
Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.