Husiku
From Wikipedia, the free encyclopedia
Remove ads
Husiku (Night in English) inguva yokunge zuva ranyura kunze kwava nerima. Kana kusina makore nyenyedzi dzinoonekwa nguva iyoyi uye mwedzi unokwanisa kuonekwa zvakare.

Kurerutsa Mutauro
- Nyaya inonzi husiku huviri inotaurwa nhoroondo yemusi uyo zuva rakadzikatidzwa nemwedzi kwakava nerima zuva richiri pakurova nhongonya.
- Tichavatako masiku maviri: We shall sleep there two nights.
- Kusvipirwa (to be benighted; still on a task or journey after dusk) zvinoreva kudokerwa nezuva uchiri kushanda kana kuti uri parwendo.
Tsumo
Mitauro yeBantu
- VaZigula vanoti chiro (n. night) kureva husiku. VaSena vanoti masiku (night, evening) vachireva husiku.
- VaWanga vanoti eshiro (night, evening) vachireva husiku. VaHaya vanoti omukiro kana omukilo (night) vachireva husiku.
- VaMaconde vanoti chilo kana uhiku (night) kureva chiro kana husiku. VaNyungwe vanoti mawulo (evening) kureva mauro.
- VaYao vanoti chilo (night) kureva husiku. VaShambala vanoti kilo (n. night) kureva husiku.
- Kimbundu vanoti usuku (ignorance; obscurity; night). Sokuti: Mfana uya husiku hwega-hwega; haana chanoziva. Kimbundu vanoti -sungila (visit at night).
Wikiwand - on
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Remove ads
