Hurete kana huronyo imvura inobuda pamwe nembeu yemunhurume paanosvirana nemunhukadzi (kana kuti umwe murume, achimusvira kumagaro) pa bonde kana kuti paanotunda nebonyora uyezve akadyiwa mboro. Mvura iyi ine ruvara ruchena, uyezve yakada kufanana nemadzihwa. Mbeu yemurume ndiyo inokukumidza zai remunhukadzi kunova ndiko kuvamba kwehupenyu hwemunhu - pachinyorwa chino shoko rokuti rukukumidzo riri kushandiswa kuturikira rinoti fertilization kuEnglish. Kana huronyo hwava kubuda murume anonzwa kunakidzwa zvikuru, uye anonzwa muviri wake uchinyevenuka.

Thumb
Huronyo hwemunhu huri mupetri dish.

Kukora kana kutetepa kweuronyo kunoenderana nekuti murume uyu anga ava nenguva yakareba zvakadini asati arara nemukadzi. Varume vanobuda mumifananidzo yePono vanobudisa uronyo hwakawanda ungatoti munhu ari kuweta. Vanomwa mapiritsi anoita kuti uronyo hubude hwakawanda. Vakadzi venyika dzekumadokera vanowanzomwa uronyo hwemurume uye vanoti ivo hunoita sekuti hune munyu. Vana chiremba vanokurudzira kuti varume vabudise maronyo avo kanopfurikidza kaviri pavhiki kuita kuti vasabatwa ne purositeti kensa.

Mitauro yeBantu

  • VaWanga vanoti okhuronya (v. leak; drip) kureva kuduza kana kuchururuka. VaBukusu vanoti khuuroonya (v. leak, drip).
  • Barotse vanoti lilete (n. testicle, scrotum) kureva machende. VaLozi vanoti -zala (v.t. to ejaculate).
  • MaZulu vanoti imbewu (n. semen maris) vachireva huronyo. VaBukusu vanoti buutyu (n. sperm) kureva huronyo.
  • MaZulu vanoti imbewu (Origin, source of a race, stock of people) vachireva rudzi rwevanhu. Sokuti imbewu yakwaQwabe - kurudzi kwakabva VaQwabe.
  • Kimbundu vanoti uânza (n. sperm, semen). Baila vanoti bwenze (n. semen).

Wikiwand in your browser!

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.

Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.