Dzihwamupengo
From Wikipedia, the free encyclopedia
Dzihwamupengo (muChishongrish: khorona vhayirasi; khovhidhi-19) kana Dzihwampengo, chirwere chinotapukira chinokonzerwa ne dovodzana iri sevhiya ye akyuti respitoria dzihwamupengo-2 (DSAR-DziM-2). Mhosva yekutanga inozivikanwa yakaonekwa muWuhan, Chayina, muna Zvita 2019.[1] Chirwere ichi chapararira pasirose, zvichiita kuti pave ne chipando chirikuramba chiripo.[2]
|
Zviratidzo zveDzihwampengo zvinosiyana, asi kazhinji zvinosanganisira fivha,[3] kukosora, kutemwa nemusoro,[4] kuneta, Upfupikohweufemo (dhispenia), uye urashabwema (kana kutadza kunhuwa) ne kutadza kuravira.[5][6][7] Masimputomu anogona kutanga zuva rimwe kusvika gumi nemana mushure mekusangana nehutachiona. Chinenge chikamu chimwe muzvitatu chevanhu vane utachiona asi havaratidzi zviratidzo zvinooneka.[8] Kune avo vanhu vanova nezviratidzo zvinoonekwa zvekuti vanganzi varwere, vazhinji (81%) vanokura zvakapfava kusvika pakati nepakati zviratidzo (kusvika Chibayo), ukuwo 14% vanova nezviratidzo zvakakomba (upfupikohweufemo, hipokshia, kana kupfuura 50% kubatanidzwa kwemapapu pakufungidzira), uye 5% vanotambura nezviratidzo zvakakomba (Koneko ye respiratoria, Karudzo (shoku), kana Dhisfangishani ye nhengohobho).[9] Vanhu vakura vari panjodzi huru yekuva nezviratidzo zvakakomba. Vamwe vanhu vanoramba vachisangana nezviitiko zvakasiyana (Dzihwampengo yakareba) kwemwedzi mushure mekupora, uye kukuvara kwenhengo kwaonekwa.[10] Zvidzidzo zvemakore akawanda zviri kuenderera mberi nekuongorora mhedzisiro yenguva refu yechirwere.[10]
Kugowanika kwe Dzihwampengo inoitika vanhu pavanofema mumhepo yakasvibiswa nemadonhwe uye tunhu tudiki twemhepo zvine hutachiona. Ngozi yekufema izvi mukati yakanyanya kana vanhu vari padhuze, asi vanogona kufemerwa nenzendo refu, kunyanya mumba. Kutapurirana kunogonawo kuitika kana ikasaswa kana kupfapfaidzwa nemvura ine utachiona mumaziso, mhuno kana mukanwa, uye, kashoma, kuburikidza nenzvimbo dzine utachiona. Vanhu vanoramba vachitapurirana kwemazuva anosvika makumi maviri, uye vanogona kuparadzira utachiona kunyangwe vakasaratidza zviratidzo.[11][12]
Mitowo ye kujobera yakagadzirwa kuti iongorore chirwere ichi. Iyo yakajairwa nzira yekuongorora ndeyekuonekwa kwevhairasi nyon'o ye usomo ne kurivhesa tranziskiriputi ye binguro ye cheni ye porimeresi munguva-iriyo, kuamburifaya tranziskiriputi iri medhiyetedhi (ATM), kana ne kana nereverse transcription loop-mediated isothermal amplification (RT-LAMP) kubva kune kuswabha nasofarinji.
Mavhaksini edzihwamupengo akawanda akatenderwa uye akagoverwa munyika dzakasiyana siyana, idzo dzakatanga mishandirapamwe yekudzivirira vanhu vakawanda. Mamwe matanho ekudzivirira anosanganisira kusimuka kana kugarisana nevamwe, kugara wega, kupinza mhepo munzvimbo dzemukati, kuvhara kukosora nekuhotsira, kugeza maoko, uye kuchengeta maoko asina kugeza kure nechiso. Kushandiswa kwechifukidzauso kumeso kana zvekuvharisa kwakakurudzirwa munzvimbo dzeveruzhinji kudzikisira njodzi yekutapurirana. Nepo basa riri kuenderera mberi rekugadzira mishonga inodzivisa hutachiona, kurapwa kwekutanga kune zviratidzo. Kutarisira kunosanganisira kurapwa kwezviratidzo, tsigiro yekuchengetedza, kuzviparadzanisa nevamwe, uye kuyedza matanho.
Ruvambo
Munguva yekutanga kubuda muWuhani, hutachiona uye chirwere chaiwanzonzi "Dzihwamupengo" uye "Dzihwamupengo ye Wuhani",[13][14][15] nechirwere ichi dzimwe nguva chinonzi "Nymoniya ye Wuhani"[16][17]Kare, zvirwere zvakawanda zvakapihwa mazita enzvimbo, seChikosoro che Speini,[18] respiratory syndrome, uye Vhairasi ye Zika.[19]
Zviratidzo ne masimputomu
Zviratidzo zveDzihwamupengo zvinosiyana-siyana, kubva pazvinyoro zvishoma kusvika kuhurwere hwakanyanya.[20][21] Zviratidzo zvakajairika zvinosanganisira kutemwa nemusoro, kurasikirwa nekunhuwa uye kuravira, kusangana kwemhino uye mhuno inomhanya, chikosoro, kurwadziwa kwetsandanyama, kurwadziwa kwehuro, fivha, manyoka, uye kutadza kufema.[22]
Mashoko ashandiswa
- [[Chirwere chinotapuk
- Dovodzana iri sevhiya ye akyuti respitoria dzihwamupengo-2 kureva (severe acute respiratory syndrome coronavirus 2)
- Chipando (pandemic)
- Urashabwema (Kureva kurasha hwema kana kutadza kunhuwa)
- Upfupikohweufemo kureva (shortness of breath kana) dhispenia kureva (dyspnea) - zita rayo reMushonga
- Simputomu (symptom)
- Kusangana ne Hutachiona (exposure to disease - exposure mu-context iyi Chii muChishona?)
- Nyumoniya (pneumonia)
- Hipokshia (hypoxia)
Zvinyorwa zvekunze kwe Wikipidhiya
Mabviro eruzivo
Wikiwand - on
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.