Duri neMutsi (large food preparation mortar and pestle) mudziyo unoshandiswa kupwanya kana kuti kutswa mbeu dzinodyiwa dzakaita sechibage; nzungu; zviyo; mhunga nezvimwewo. Duri (mortar) rinoshandiswa pamwe nemutswi (pestle).

MuZimbabwe duri rinoshandiswa pakutswa nzungu panogadzirwa dovi uye chibage panogadzirwa manhuchu. Kudzvura kunogona kushandwa nemunhu mumwe chete aine mutswi mumwe kana kuitwa nevanhu vaviri vaine mutswi miviri muduri rimwechete.

Mamwe Mazwi

  • Mutwiwa kana duure (meal ground in the duri) zvichireva zvacho zviri kutwiwa muduri.

Mitauro yeBantu

  • VaMakonde, Lenje neYao vanoti kutwa (to pound in a mortar) kureva kutswa. Tiriki vanoti khuswaka (to pound - as with a pestle) kureva kudzvura.
  • VaZigula vanoti kutwanga (1. pound with a pestle; 2. smash with a pestle in a mortar) kureva kutwa.
  • Kinande vanoti omutwangiro; omutunduli (n. pestle) kureva mutsi. Taabwa vanoti mutondo kureva duri.
  • VaMaconde vanoti ntuli kana mituli pakuwanda (Mortar) vachireva duri.VaDigo vanoti mutsi (pestle) kureva mutsi. VaTaita vanoti musi (pestle) kureva mutsi.
  • Tumbuka vanoti Thuli na Musi kureva duri nemutsi. VaZigula vanoti tuli kureva duri.
  • Taabwa vanoti munsi kureva mutsi. Nyungwe vanoti banda (n. mortar) kureva duri.
  • Herero vanoti tonda (pound in a mortar) vachireva kudzvura muduri. VaWanga vanoti okhuswaka (v. pound in a morter) kureva kutswa muduri.

Wikiwand in your browser!

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.

Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.