Kuyambikana
From Wikipedia, the free encyclopedia
Muchidzidzo chePimanyika, kuyambikana (parallel) izwi rinotsangangudza mitsetse miviri yakati twasa yakataramukana nhambwe dzakaenzana panzvimbo dzose kana nhambwe ichipimwa pakati pemitsetse iyi. Apa nhambwe inofanirwa kunge iri kupimwa kuchitevedzwa mitsetse wechitatu unocheka mitsetse miviri yokutanga. Mutsetse wechitatu unofanirwa kunge uchicheka miviri iyi pamukwava une gonyo rakaenzana panzvimbo dzose. Muenzaniso wemitsetse wakati sambamba isimbi mbiri dzenjanji nokuti dzinofamba dzakayererana asi dzisingapesane.