![cover image](https://wikiwandv2-19431.kxcdn.com/_next/image?url=https://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/1/10/TAR_Hazard.png/640px-TAR_Hazard.png&w=640&q=50)
Njodzi
From Wikipedia, the free encyclopedia
Njodzi (danger, misfortune, hazard, risk, ill-luck) zvinoreva chinhu chinokwanisa kukonzera tsaona inokuvadza kana kuuraya. Tsaona ingava inokuvadza vanhu, muchina, muchovha, zvivakwa kana nzvimbo dzakakomberedza.
![Thumb image](http://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/1/10/TAR_Hazard.png/320px-TAR_Hazard.png)
Mukusiyanisa njodzi netsaona pano tiri kuedza kuturikira mashoko anoshandiswa kuEnglish kuti tikwanise kusiyanisa zvinhu zvatiri kutaura kumabasa neChirungu mazuva ose. Shoko rokuti incident richaturikirwa pano richinzi kuwirwa nenjodzi.
- Chivandira zvinoreva njodzi yakavandika isati yaonekwa kana kuzivikanwa.
- Kubangaradza kana kuzvisina (risk one's life) zvinoreva kuisa upenyu hwako pane njodzi.,
- Dindiridza (Leave unguarded).
- Bandamba (bad luck - incidental). Ane bandamba - he is accident prone.
- Chikotera (Dangerous situation from which there is no escape).
- Bosho (danger from which one escaped, a great danger) apa kutaura njodzi yawakapunyuka. Izwi iri rinokwanisa kuturikira near miss.
- Pfumvu, netso kana njodzi (danger; trouble).