![cover image](https://wikiwandv2-19431.kxcdn.com/_next/image?url=https://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/9/98/Pregnant_woman.jpg/640px-Pregnant_woman.jpg&w=640&q=50)
Nhumbu
From Wikipedia, the free encyclopedia
Munhukadzi anonzi ane nhumbu kubva panguva yaanosangana nemurume mwana obva aumbwa muchibereko chemukadzi. Panguva yokunge mukadzi ave nenhumbu dumbu rake rinotanga kukura zvichienderana nekukura kuri kuita mwana muchibereko. Vamwe vatauri vanoti mimba.
![Thumb image](http://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/9/98/Pregnant_woman.jpg/320px-Pregnant_woman.jpg)
Nhumbu yemunhu inotakurwa kwemwedzi mipfumbamwe (9). Vanhu vanoberekana nenzira inokumbanidza mbeu yemurume nezai remukadzi mushure mokunge murume nemukadzi vasangana kana vakumbana panguva yakafanira.
Kutsika mwedzi (to miss a period and become pregnant).
Zvinosarira muchibereko mushure mokunge mwana abuda zvinonzi rusarira, musana kana kuti chavakuru - after-birth.
- Mungoza kana muzvere (nursing mother) mukadzi akazvara achiri kuyamwisa.
- Guyu (prolapse of uterus).
- Musari (afterbirth).
- Chikosha kana chikotsa (Pregnant woman (whose pregnancy is apparent). Vatauri veKabiye vanoti hosi (n. pregnancy) kureva nhumbu.
- Kukurirwa (be in an advanced stage of pregnancy).
- Nyangarahadzi kana nyangahadzi (stretchmarks on the body).