Zai (kureva egg) kana zanda, chidemhe chinotakura mwana nechikafu chemwana mumhuka dzinokandira mazai dzinoti: shiri; garwe; rwavhi ndezimwewo.
Pakati pezai rehuku pane mondo, chapfudu kana kuti tsinda (yolk) ine ruvara rwe yellow. Madimbu
- Regai dzive shiri mazai haana muto. Apa kureva kuti zvimwe zvinhu zvinoda kuregwa zvikure kusvika pazvichatanga kuberekawo, sehuku ichazokandira mazai pakupedzesera igozodyiwa nyama.
- Wadya zai wadya nhiyo yacho. One who eats the egg also eats the chick.
- Doonya mazai matatu ukange mupoto iri pachoto. Kudoonya zvinoreva kuvhura zai nenzira yekurirovanisa zvishomane nechipunu, foko, banga kana mumwe mudziyo.
Mitauro yeBantu
- VaChewa vanoti zira kana mazira (an egg) or eggs. Barotse vanoti lwenge (n. white of an egg). VaWabo vanoti nzayi (n. egg) kureva zai.
- Venda vanoti gumba kana makumba (n. egg) kureva zai. Kimbundu vanoti ukundu (n. yellow; the egg yolk).
- Nyungwe vanoti mnenga (n. egg yolk) kureva mondo. Maconde vanoti shitima (n. egg yolk) kureva mondo.
- Kikuyu vanoti matumbi kureva mazai. Kiembu vanoti makome kureva mazai. Kimenti vanoti nkara kureva mazai.
- Sangho inoti dapara (n. egg pocket; ovary). Mamwe mazwi: para (n. egg) kureva zai. Shilluk inoti tono (n. egg).
Wikiwand in your browser!
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.
Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.