Kuwanza Huwandu
From Wikipedia, the free encyclopedia
Muchidzidzo masvomhu kuwanza (multiplication in English) nhamba mbiri, kwakafanana nekuunganidza mapoka ane huwandu hwakaenzana nenhamba yechipiri - boka rimwe nerimwe rine nhengo dzinokwana kuenzana nenhamba yekutanga. Panoitwa maunga huwandu nhamba yekutanga inenge ichiwedzaniswa kanokwana kuenzana nenhamba yechipiri. Asiwo nhamba yechipiri inogona kuva iyo iri kuwedzaniswa kanokwana kuenzana nenhamba yekutanga.
Somuenzaniso, nhatu (3) kuwanza neina (4), zvakafanana nokuwedzanisa nhatu (3) kanokwana kana (4):
Nokumwe kutaura panganzi zvinhu zvitatu zviri kupetwa kana. Apa tinenge tichivamba kuverenga boka rezvitatu rokutanga kusvika pane boka rechina. Saka kuti tirerutse kutaura, paya panonzi kuEnglish, 12 times 10 isu tinokwanisa kuti gumi nembiri kuwanza negumi - kureva kudzokorora kuverenga boka rezvinhu gumi nembiri kanokwana kagumi.