Hudaviri
From Wikipedia, the free encyclopedia
Pakushanda kunoita zvirongwa nemabasa muhushangazhi, hudaviri (responsibility) ishoko rinodudza uyo anotarisirwa kunge achibvunzwa maererano nekufambiswa kwezvirongwa nemabsa panzvimbo iri kutaurwa nezvayo. Iye mudaviri anokwanisa kunge asiriye anobata zvombo kuita mabasa anofanirwa kuitwa asi ndiye ane chinhanho chekuronga kuti mari nezvombo zvose zvinodiwa kuti basa ribudirire zvivepo.
Munhu ane hudaviri pamusoro pekufambiswa kwezvirongwa nemabasa anofanirwa kunge akapiwa simba rehutongi pamusoro pezvinhu izvi. Kana munhu achinge asina kupiwa hutongi hazvina kufanira kuti ange ariye anobvunzwa pamusoro pekukundika kana kubudirira kwezvirongwa kana mabasa.