![cover image](https://wikiwandv2-19431.kxcdn.com/_next/image?url=https://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/7/76/Landslide_animation_San_Matteo_County.gif/640px-Landslide_animation_San_Matteo_County.gif&w=640&q=50)
Goromokwa reDunhu
From Wikipedia, the free encyclopedia
Shoko rokuti Goromokwa reDunhu (landslide) riri kushandiswa pano kutsangura gukuravhu rinoyeredza ivhu zhinji pamateru egomo mushure mokunaya kwemvura zhinji. Apa chinoitika ndechekuti ivhu rinenge raguta nemvura, rotsvedza pamateru egomo.
![Thumb image](http://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/7/76/Landslide_animation_San_Matteo_County.gif)
Kukoromoka kweDunhu kunoitika kana kudzikama kwemawere kwashunduka kubva pakudzima kuenda pakusadzikama. Kushanduka kwemadzikamiro emawere kunokonzerwa nezvikonzero zvizhinji, zvangava zvinobatirana kana zvichishanda zviri zvoga. Zvikonzero zvakasikwa zvinowanikwa zvinosanganisira:
- Puresha inokonzerwa neMvura yemuvhu inosakisa kusadzikama kwemawere.
- Kuparadzwa kwemiti yakadzika midzi muvhu, kushayikwa kwezvirungavhu uye kaumbirwo kakaita ivhu racho.
- Gukuravhu rinoyeredza ivhu mujinga megomo, richikonzerwa nenzizi kana gungwa.
- Kusekesa kwevhu riri pamawere kunokonzerwa nekuwandisa kwemvura inonaya, kana sinowo inonyungudika.
- Kundengenyeka kwenyika kunosakisa kusadzikama kwamawere zvichibva pakuti ivhu riri pamawere rinenge rave matope.
- Mitoro inowedzerwa pamawere zvichibva paKundengenyeka kwenyika
- Kuduruka kwechikwatamabwe.
Kukoromoka kwemawere kunowedzerwa nebishingo revanhu rinosanganisira:
- Kutema miti, kurima pamawere uye kuvaka kunounza kusadzikama kwemawere anga asekesawo.
- Kundengenyeka kunokonzerwa nemichina kana michovha.
- Kudhuurwa kwematombo.
- Mibisho yekuchera ivhu inoshandura chimiro chemawere kana inounza mutoro mutsva pamawere.
- Kana ivhu risina kudzika, kubviswa kwemiti ine midzi yakadzika
- Mabasa ekuvaka, kurima kana kutema miti anoshandura huwandu hwemvura inosinina ichipinda muvhu.