From Wikipedia, the free encyclopedia
Chapfunga (kureva Bilharzia) inozivikanwawo se fivha yehozhwa, chirwere chinokonzerwa nechisvetasimba rehwemusi rakati sandara rinonzi shistosomi (schistosome). Nzira yeweti kana matumbu zvinogona kuva neutachiona. Zviratidzo zvinogona kusanganisira kurwadziwa mudumbu, manyoka, tsvina ine ropa, kana weti ine ropa. Vaya vanenge vaita utachiona hwacho hwenguva yakareba vanogona kukuvara chitaka, kukanganisika itsvo, kusabereka, kana kuita kenza yedundiro. Muvana, hunogona kukonzera kusakura zvakanaka uye kuomerwa pakudzidza.[1]
Chapfunga | |
---|---|
Tsanangudzo uye kumwe kunowanika mashoko | |
Mukomana ane makore 11 ane mvura mudumbu uye BP yemutsinga kana kuti portal hypertension zvichikonzerwa neschistosomiasis (Agusan del Sur, Philippines) | |
ICD/CIM-10 | B65 B65 |
ICD/CIM-9 | 120 120 |
DiseasesDB | 11875 |
MedlinePlus | 001321 |
Chirwere ichi chinoparadzirwa munhu akagumana nemvura isina munyu inenge iine maparasaiti. Maparasaiti aya anobudiswa nehozhwa yemumvura isina munyu inenge iine utachiona hwacho. Chirwere ichi chakanyanya kuwanda muvana vemunyika dzichiri kubudirira sezvo vaine mikana yakawanda yokutambira mumvura inenge iine utachiona. Vamwewo vari pangozi vanosanganisira varimi, varedzi, uye vanhu vanoshandisa mvura isina kuchena muupenyu hwavo hwezuva nezuva.[1] Utachiona uhwu huri muboka reutachiona hwe maheriminthi (helminth).[2] Kuti zvizivikanwe kuti ndicho chirwere chacho, panotsvagwa mazai eparasaiti racho muweti netsvina zvemunhu wacho. Chinogonawo kuzivikanwa kuti ndicho nekutsvaga madzivaureya anenge achirwisa chirwere chacho muropa.[1]
Nzira dzokudzivirira nacho chirwere ichi dzinosanganisira kunatsiridza mikana yokuti vanhu vawane mvura yakachena uye kuderedza uwandu hwehozhwa. Munzvimbo dzakawanda chirwere chacho, mushonga unonzi parazikwantheri (praziquantel) unogona kupiwa vose vari muboka racho kamwechete pagore. Izvi zvinoitirwa kuderedza nhamba yevanhu vanotapurirwa utachiona uye, zvichideredzawo kupararira kwechirwere chacho. Parazikwantheri ndiyo zvakare mushonga unokurudzirwa neWorld Health Organization (WHO) kuti ushandisirwe vanenge vaoneka kuti vane utachiona.[1]
Chapfunga yakatapukira kuvanhu vanoda kusvika mamiriyoni 210 pasi rose kubvira muna 2012.[3] Vanofungidzirwa kuva pakati pe12,000[4] ne200,000 vanouraiwa nayo gore negore.[5] Chirwere ichi chinonyanya kuwanika muAfurika, uyewo muEzhiya nemuAmerika Chamhembe.[1] Vanhu vanenge mamiriyoni 700 munyika dzinodarika 70 vanorarama munzvimbo munowanika chirwere chacho.[5][6] Munyika dzinopisa, chapfunga ndiyo yechipiri, ichitevera marariya pazvirwere zvemaparasaiti zvinonyanya kukanganisa upfumi.[7] Chapfunga iri pakati pezvirwere zvinonzi zvirwere zvakashayirwa hanya zvokunzvimbo dzinopisa.[8]
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.
Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.