Pachinyorwa chino mazwi anoti sipitire kana musipitire ari kuturikira chinonzi constant kuEnglish - pahuwandu konzi masipitire (constants).

Izwi rokuti kusipitika (to stand still) rinoreva kumira panzvimbo imwe pasina kufamba, kusuduruka kana kupfekenyeka. Vamwe vanoti kudzororoka.

KuEnglish, constant inodudzirwa ichinzi a quantity or parameter that does not change its value whatever the value of the variables, under a given set of conditions.

Kurerutsa Mutauro

  • The speed of light in a vacuum is constant. Spidhi yechiedza muvhakiyumu sipitire.
  • Constant of proportionality. Sipitire reRupandavaro.
  • Avogadro's Constant. Sipitire raAvogadro.
  • The plane's speed remained constant. Spidhi yendege yanga yakasipitika.

Mamwe Mazwi

Pano chinangwa ndechekuumba mutauro nemazwi matsva, saka mazwi achakawanda anozama kuturikira chinonzi constant.

  • Kukokonerwa (being fixed in place) rinoreva chinhu chakasimbiswa chiri panzvimbo imwechete chisingatsukunyuke. Hoko inokokonerwa pasi ichipa pane muganhu unoda kutarwa. Bango rinokokonerwa pamucheto pemusha une mwene wayo.
  • Kusomeka (to be fixed in, stick in) zvinoreva kukokonerwa zvakare, kureva kuti hachisikufamba kubva pachiri, chakadzika midzi ipapo.
  • Kusomekera (to fix in, stick in). Shoko rokuti constant rinokwanisa kuturikirwa zvichibva pakusomeka, tichiti, musomekerwa, misomekerwa kana yakasomekerwa.
  • Rambirapo zvichireva Kati chiri kurehwa hachishanduke chimiro, hukuru, huwandu, spidhi, hurefu kana huremu.

Mitauro yeAfrika

  • Herero inoti outakame (constancy) kureva chinogara chiripo chisingashanduke kana kuguma.
  • Herero inoti -takame (constant; faithful) kureva chinogara chiripo chisingashanduke kana kuguma.
  • Chewa neBaila vanoti kusalala (flatness, even - of road) kureva musandarara. Mamwe mazwi: salala (to be straight, to be smooth, trim, pretty - of anything).
  • Tem vanoti sáárá (equal, even, smooth) kureva kuenzana. Mamwe mazwi: sáárátɩ (equality; parity, evenness, straight).

Wikiwand in your browser!

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.

Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.