From Wikipedia, the free encyclopedia
Muchidzidzo fundoyetsimba, hujoto (temperature) chiyero chinopima kutonhora kana kupisa kuri kuita chiro kana nzvimbo. Hujoto hunodudza kuti chiro chinokwanisa kudziyisa chimwe zvakadii. Sokuti madziya (heat) anoyerera kubva panzvimbo pane hujoto hwe 100oCelsius kuenda kune hujoto hwe 40oCelsius.
Celsius ndicho chikero chinoshandiswa munyika zhinji kupima hujoto. Chikero ichi chinoura kuti 0oCelsius inowankwa pahujoto panogwamba mvura - freezing point of water. kana mvura yasvika pahujoto painofashaira inenge yava pa 100oC.
Kelvin ndicho chikero chinoshandiswa zvikurusei kufundoyetsimba; ichi chikero chinoti 0oC = 273,15K. Kuchishandiswa chikero ichi, 0 Kelvins inenge yaenzana ne -273,15K.
Fahrenheit ndicho chikero chinoshandiswa kupima hujoto kunyika yeUSA. Kuchitevedzwa chikero cheFahrenheit, mvura inogwamba pa 32oF ichizofanza pa 212oF. Kushanduka kwemvura uku kunenge kuchipimwa papuresha yemweya (atmospheric pressure) unoita 101.365kPa. Mvura iri pamusoro pegomo refu inokurumidza kufanza kupfuura iri pasi nokuda kwemusiyano wemutsindo wemweya.
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.
Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.