Goromondo, magoromondo (1. Outsized cob of maize. 2. Out-sized groundnut or bambara groundnut). Ko izwi rokuti tsomondo rinorevei?
Muguri, bimbiri, bere (whole cob of maize) apa kureva muguri uchine chibage chawo.
Mbadzwa (One particle of crushed maize; 2. Collective name for crushed maize) kana mabandurwa - apa kureva chibage chakabandurwa kana kumbadzwa.
Gwengwere (White, small-grained variety maize).
Mutsaru kana masharu (corn left from last year).
Kupakatira (to cob, start to form the cob) apa kureva kuvamba kuumba muguri wechibage.
Gunje, magunje kana mazhonje (dry stalk of maize or sorghum or sweet cane). Pakuwanda onzi magunje.
Mubvau, dzadza kana jandu (Young green mealie).
Chibage ndiMabrijo
Munhu akashata
Kubvumbura (de-husk i.e. separate bran from meat of maize or sorghum).
Tinotyora chibage mumunda, ndokuchifurura nokuchiisa pamurwi kuti chiome. Chikaoma chinopurwa chova musvo. Musvo unorongedzerwa mudura. Kana hwodikwa upfu, wovazhwa musvo nokudururirwa muduri. Zvino wodzvurwa kuti usvokotorwe maunwa. Wozodururirwa murusero kuti ubvumburwe. Zvino wozosara dzava shoro. Shoro dzogayiwa dzichiva upfu: we break off a maize cob in the field, peel off its outer cover and put it on a heap to dry. When the cobs are dry they are threshed and become grains. The grain is put into its proper place in the storage bin. When meal is wanted, grain is poured into the mortar. Then it is pounded in the mortar to remove the skin from each grain. Next it is poured into a winnowing-basket to separate the husks from the meat of the grains. What is left is crushed maize. Crushed maize is ground into meal.
Kushogogora kana kusodogora (to pluck mealies from a stalk at harvest) zvinoreva kukwachura muguri wechibage kubva padzinde.
Hanu kana haro (Space between two objects). Siya hanu inoita mainjisi mapfumhamwe kana uchidyara chibage: leave a space of nine inches between the drills when planting maize.
Nyungwe vanoti ngalangala (n. corn silk) kureva ngarara. VaZigula vanoti magombo (cob of maize after the maize has been rubbed off) iguri watonongorwa.
Lunyoro vanoti ibere (n. head of maize) kureva muguri wechibage. VaWabo vanoti naamabedde (n. maize) kureva chibere.
Kikuyu vanoti mbembe (corn, maize) kureva chibage. Kimbundu vanoti disa kana masa (n. corn, maize) kureva chibage.