From Wikipedia, the free encyclopedia
Ẋ (kana ẋ; uye kġ) ibhii reChiratini, riri muchikamu chemhando ye mabhii aX. Bhii ra /x/ rinowanikwa kumimwe mitauro ye Chivanhu senge Chikaranga ne Chindau, kasi sezvinozivikwa, bhii ra /x/ ibhii rokudzvanya kumitauro mizhinji ye Chibantu yekuChamhembe che Afurika, senge Chindebele kana Chixhosa.
Bhii iri pakushandiswa rinonyorwa kuti tikwanise kusiyanise /x/ wekudzvanya na /x/ wekuhhora. Chindau ne mimwe mitauronyina ye Chikaranga ino shandisa /x/ wekudzvanya, senge Chindau chinoti: kuxoxa uye kuxapa, mumashoko aya /x/ anenge achidzvanywa.
Asizve, Chikaranga chinoti: xarani, xumbudzi, uye pxere, mumashoko aya /x/ anenge achihhorwa kwete kudzvanya. Kuti vanhu vasakanganisike, ndipo panoshandiswa /ẋ/ ane do pamusoro.[1]
Iro bhii rekuhhora rinonzi rakabva kuChibhunu richiunzwa nemitauro ye Chinguni.[1] Rinowanikwa kuChivhenda sa /x/, Chiswahiri sa /gh/ kana /kh/ (nekuda kwe Chiarabhu), Chisutu sa /kg/, kuChixhosa sa /rh/ saka ibhii rakajairika mumitauro mizhinji ye Chibantu.
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.
Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.