Vuganda (kureva Uganda) kana Buganda, uye pachihofisi ichinzi Rudhende rwe Vuganda, inyika yakakomberedzwa iri kumabvazuva kweAfurika. Vuganda inoganhurana nenyika dzinoti: Kenya iri kumabvazuva; Sudhani Chamhembe iri kumaodzanyemba; Utemabanze we Rudhende rwe Vukongo iri kumadokero; Rwanda iri kuchamhembechekumadokero uye Tanzania iri kuchamhembe.

Republic of UgandaJamhuri ya Uganda
National motto: For God and My Country

Kuchamhembe kwenyika iyi kunobatanidzira chikamu chikuru cheNyanza Victoria iyo ine zvikamu muKenya neTanzania; izvi zvoreva kuti Vuganda iri muNyanza Huru dze Afurika. Vuganda iri munzvimbo inobva mvura yeRwizi Nile uye matunhu ayo ane mamiriro ekunze akatsaukana asi achienderana nepairi pane muenzanisi.

Zita rokuti Vuganda rinobva paUmambo we Vuganda, hunobatanidzira chikamu chikuru chekuchamhembe kwenyika zvichisanganisira gutaguru reKampala. Mutauro wayo wechihofisi iChingezi. Mutauro weChiganda wakatekeshera nenyika yose uye kune mimwe mitauro mizhinji inosanganisira Chiswahiri, Chiateso, Chilango, Chiacholi, Chinyoro, Chinyankole, Chikiga, Chiluo, Chitooro, Chisamia, Chikopadhola, uye Chisoga.

Mutungamiri wenyika pari zvino (2021) anonzi Yoweri Kaguta Museveni uyo akatora chigaro nechisimba mugore 1980.

Utemabanze we Rudhende rweVuarabhu rweSaharawiSomarirandi

Mavuso anozivikanwa zvishoma

(Speini) Canary Islands / Ceuta / Melilla • (Putugaro) Madeira • (Furanzi) Mayotte / Réunion • (United Kingdom) Saint Helena / Ascension Island / Tristan da CunhaSahara ye Madokero

Zvisi ne Materitori ekunze

Wikiwand in your browser!

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.

Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.