Nhangande yeMushonga
From Wikipedia, the free encyclopedia
Mazwi okuti nhangande dzemushonga (Chemical Elements) ari kushandiswa pano kutaura zviro zvokutanga zvinovambwa nazvo kusati kwaendwa kune zvikuru zvinozotevera. Muchidzidzo chemishonga kusanganiswa kwenhanga dzinonzi carbon nehydrogen unoumba misakwa inoti methane, ethane, propane nezvimwewo. Pahumwe kunonzi nhangande.
Nhangande yemushonga ine rudzi rumwe rwehatomu. Mhando dzehatomu dzichitsauraniswa nenhamba yehatomu iyo inotaura huwandu hweproton mushomwe yehatomu. Kune nhangande zana negumi rine nomwe (118) dzine mazita anozivikanwa. Panhangande idzi, kune nhanga makumi mapfumbamwe nenomwe (98) dzinowanikwa muzvisikwa zviripo Pasirose, nemakumi manomwe enhangande dzakatsigama, nedzimwewo dzinobvurunuka dzichiwumbuka kuita nhanga dzakareruka.