Baradzarudzi
From Wikipedia, the free encyclopedia
Shoko rokuti baradzarudzi (genocide kuChirungu) rinoreva chirongwa chakanangana nokuparadza vanhu verumwe rudzi vanhu ava vachiurayiwa nenzira yakarongwa neavo vanenge varangana kuti vaite huipi hwakadaro. Chiitiko chebaradzarudzi chakaitika kuEurope panguva yeHondo yePasirose yeChipiri apo pakaurayiwa maJudah vanosvika mamiriyoni matanhatu (6m) vakapondwa nemawuto aitungamirwa nemutongi godzonga (tyrant, dictator) ainzi Adolf Hitler. Nhoroondo yejambwa iri inowanikwa pachinyorwa chinonzi rushigido.
Baradzarudzi rakaitikawo zvakare munyika yeRwanda apo pakava nekupondwa kwemhomho yevanhu verudzi rwechiTutsi vachipondwa nevanhu verudzi rwechiHutu mugore 1994. Izvi zvakaitika kwenguva inokwana mazuva zana (100); nhamba inomisikidzwa yevanhu vakapondwa iri pakati pe 500,000 kusvika 1,000,000 vari chikamu chemakumi maviri pazana (20%) chevagari vemuRwanda panguva iyoyo.