Mburungwa (kureva Sphere) muchidzidzo chePimanyika, izwi rinoreva chiumbwa chakaurungana kuita bhora. Vamwe vatauri vanoti: chinhenderekwa, chiurungwe; mhumburu kana kuti urungano. chiso cheurungano chine nhambwe dzakaenzana kubva pamunzi (centre) wemburumbwa; nhambwe iyi inodanwa kunzi taramunyongo, (radius).

Thumb

Zvinhu zvine kuumbwa kwemburumbwa zvinosanganisira: bhora, mazhanje nemimwe michero uye Rinopasi ratigere.

Mburungwa-gama ndiyo inonzi hemisphere kuEnglish.

Kabhora kadiki kakapfava kanonzi mbungo - muenzaniso tennis ball.

Burumbwa, bumburu, burungwa zvinoreva zibhora ziguru rechinhu chero chipi zvacho.

Mashoko ri kuEnglish ane chekuita nemburungwa anofanirwa kuturikirwa anosanganisira: circuit, orbit, cycle, ellipse.

  • Mbumbwa kana mapumbwa pahuwandu (Object that has been moulded into round shape) apa kureva bumbwa. Izwi iri ringashanda kuturikira chinonzi globe kuEnglish.
  • Mhumbu kana mhombwa (ball of string, bast fiber etc) zvichireva chibhora chakarukwa neshinda ichipombwanidzwa.
  • Kuburunga (coil up; curl up).
  • Kuburumbudza (roll or roll away) apa kureva kukungurutsa kana kukunguruka.

Mamwe Mazwi

Mitauro yeBantu

  • Kirundi inoti imburungu (round thing, circle) kureva mburungwa. Nyanja inoti obulungika (circular; being round) kureva chakaurungana kana chedenderedzwa.
  • Nyanja inoti bulu kana chibulu (round). VaChewa vanoti bulunga kana ulunga (to make round - in reference to sadza).
  • Chewa vanoti kubulunga (to make a round form; to describe a circle). VaSwahili vanoti burunga (make balls of earth or clay).
  • VaNyakyusa, MaZulu neVaBemba vanoti bulungana (Become globular shaped, form into a ball; become round) kureva kuurungana.
  • MaZulu vanoti imbulunga (Globe, sphere, anything spherical such as ball, bead, cannon-ball - not a disk) kureva burumbwa.

Wikiwand in your browser!

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.

Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.