Munda
From Wikipedia, the free encyclopedia
Munda (field of crops) zvinoreva ndima yevhu yakatambanuka inoshandiswa senvimbo yekudyara zvirimwa zvinosanganisira chibage, nzungu, gorosi,sunflower, mapfunde, rukweza zvichingodaro.
Chikamu chemunda chinonzi ndima, chisasa kana kuti bande - mazwi aya anoshandiswa kutaura chikamu chemunda chapwiwa kuti munhu asakure. Ndima rinotaurawo chikamu chemunda chakadyarwa zvakasiyana, kana chero chipi chikamu chiri kutaurwa nezvacho.