![cover image](https://wikiwandv2-19431.kxcdn.com/_next/image?url=https://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/c/c0/Fortunes_of_a_Street_Waif.jpg/640px-Fortunes_of_a_Street_Waif.jpg&w=640&q=50)
Kuba
From Wikipedia, the free encyclopedia
Kuba zvinoreva kutora chinhu chisiri chako nechinangwa chokushandisa kunge chako uye pasina chinangwa chozodzosera mwene wacho.
![Thumb image](http://upload.wikimedia.org/wikipedia/commons/thumb/c/c0/Fortunes_of_a_Street_Waif.jpg/320px-Fortunes_of_a_Street_Waif.jpg)
Tsotsi kana kuti mbavha zvinoreva munhu anoita mabasa ekuba. Vamwe vatauri vechimanje-maje vanongoti vakomana kureva iwo matsotsi. Kuba zvinoreva kutora chinhu chisiri chako usina urongwa hwekuzivisa muridzi wacho kuti watora uye usina urongwa hwekudzosera.
- Matsviture (Sneak thief who steals anything he finds lying about) - apa kureva mbavha inoverera ichiba chero chayawana pamusha.
- Makonya zvinoreva munhu anofurira vamwe kuita tsika kana mabasa akaipa - bad influence.
- Kuboya kana kubodza, kuboza, kubozha (find by chance) zvinoreva kuwana kana kunhonga chinhu usiri kuzvitarisira. Kuboya hakuzi kuba. Ipapa panobva mazwi anoti bozho, uye bodzo.
- Muronda (Watchman, security guard) zvinoreva munhu ane basa rekuchengeta nzvimbo achidzivirira umbavha. Vatauri veChewa vanoti mulonda.
- Kupinga (to trap thives by putting intoxicating substance in food they are likely to steal) apa kureva kuteya mbavha nokuisa mushonga unodhaka kana kukora muchikafu chingangobiwa nembavha.
- Kubinya (cheat, defraud). Anoita izvi anonzi mubinyi, chiito chinonzi mubinyo.
- Mubinyi (Fraud. Cheat).
- Mubinyo (Fraud or cheating - act, or habit of).
- Nharirire (sentinel).
- Kubvuta (to snatch, to sieze). Kubvutwa kana kubvukwa.
- Kuchakatwa kana kupambwa (to be looted) iri rinotaurwa kuChiNdau. (Isaiah 13:16, Bhaibheri reChiNdau)