Shoko rokuti kamba dzenhapwa (Concentration camp kuChirungu) rinoreva kamba dzinotenherwa vanhu nenzira yekumanikidzwa uye zvisiri pamitemo yakaysarukana. Kazhinji vanhu ava vachigara zvisina kusununguka munzvimbo dzisina kutsvinda uye dzisina kudya kwakakwana. Magariro emukamba dzenhapwa haagamuchirike pamberi pemutemo wenyika zhinji nokuti vanhu vakatapwa havana mukana wekuva nemumiriri pamberi pedare remhosva. Nokumwe kutaura idzi ikamba dzevakokorodzwa vasina mhaka pamberi pemitemo yenyika, chikonzero chekusungwa chiri: ruvengo, rusarurarudzi, rusaruraganda kana imwewo mhando yerusaruraboka.


Munguva yaitonga bato reNazi kuGermany, nyika iyi yakavaka kamba dzenhapwa zhinji dzaitenherwa vanhu vanosanganisira maJudah, vaRomani nengochani. Kamba dzevatapwa dzekutanga dzakavakwa muGermany pakagadzwa Adolf Hitler kuva mutungamiri wehurumende yeGermany muna ndira wa1933. Kamba idzi dzaitenherwa vainzi vavengi vebato reNazi uye vatungamiri vemasangano evashandi; pakupera kwegore 1933 kamba idzi dzakanga dzave nevasungwa 45,000 uye huwandu hwakakura mushure mekupiswa kwakaitwa dare reReich mugorero.

Wikiwand in your browser!

Seamless Wikipedia browsing. On steroids.

Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.

Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.