Hànzì
From Wikipedia, the free encyclopedia
Mabhi eChichayina, kana Hanzi (Chichayina: 汉字; Chichayina chechinyakare: 漢字; Hànzì; zvichireva kuti 'mabhi eHan'), iwo magogograms akagadzirirwa kunyora kweChichayina.[1][2] Mabhi eChichayina zviratidzo zvinoshandiswa kunyora mitauro yeChichayina neChijapani. Munguva yakapfuura, mimwe mitauro yakaita seChikoriya ne Chivhiyetinamu yaishandisawo. Kutanga kwemavara aya kwaive nemakore angangoita 3000 apfuura, zvichivaita imwe yetsika dzekare dzekunyora munyika iyo ichiri kushandiswa nanhasi.
Mabhi eChichayina ndeakakosha chikamu cheMabvazuva eEzhiya tsika. Mabhi eChichayina anogona kutorwa seasingaonekwe hunyanzvi, nekuda kwekuti mavara akagadzirwa sei nemutsetse (lines) uye madhi (dots). Unyanzvi hwekunyora mabhii eChichayina anonzi bharaunake (calligraphy).