Gweru
From Wikipedia, the free encyclopedia
Gweru (yainzi Gwelo kusvika 1982) iguta riri pakati peZimbabwe riri paMbariro yeTaranyika neMutambariko weTaranyika 19°25′S 29°50′E . Gweru ine vagari 146,073 (2009), zvoreva kuti ndiro guta rechitatu pahugari hwevanhu muZimbabwe. Gweru ndiro gutaguru reProvince yeMidlands. Gweru yakavambwa mugore 1894 naDr. Leander Starr Jameson. Bhanga rekutanga rakavhurwa 1896, Stock Exchange yakaveko 1898. Njanji yakasvika mugore 1902. Gweru yakava Municipality muna 1914, yakava guta muna 1971. Zita rakasandurwa kuti inzi Gweri mugore 1982.
MuGweru ndimo mune Thornhill Air Base, Zimbabwe Military Museum neAntelope Game Park. Rusvingo rweNalatale nerwe Danangombe zviri pedyo neGweru, nzvimbo idzi dzinozivikanwa nekuvakwa kwezvidziro zvine matombo akarongwa zvinoyevedza uye nemidziyo yakasiyiwa yemaPortuguese.
Mugore ra1928 mugari weGweru ainzi Mai Jean Boggie wakavakisa nharire yeBoggie Clock Tower senzira yekurangarira murume wake akanga ashaya. Nharire iyi iriko nanhasi yava chishongo chinozivikanwa chinoonekwa muGweru.