From Wikipedia, the free encyclopedia
Muchidzidzo chePimanyika, gonyoina sambamba (parallelogram) chiumbwa chine mativi mana - mativi maviri akati sambamba anenge akaenzana - uye gonyo mbiri dzakatarisana dzinenge dzakaenzana. Zvimwe zvinoonekwa ndezvekuti guramakonyo mbiri dzinochekana kuita zvikamu zviviri zvine nhambwe dzakaenzana.
Zviumbwa zviri pamupanda wegonyoina sambamba zvinosanganisira: tsazano; gonyoina tsazamativi uye gonyoina tsazamakonyo.
Skweya (Square) iri shoko rinoreva chiumbwa chine mativi mana ose akaenzana negonyo ina dzose dzakaenzana. Skweya iri pamupanda wegonyoina.
gonyoina tsazamativi (Rhombus) - iri izwi rinoreva gonyoina rine mativi akaenzana nhambwe. gonyo dzakatarisana dzemukati dzinenge dzakaenzana zvakare. Chiumbwa ichi chine madanhamakonyo maviri anochekana negonyo re 90o. Skweya iri pamupanda wegonyoina tsazamativi zvakare.
gonyoina tsazamakonyo (Rectangle) - iri izwi rapiwa kureva chiumbwa chine makonyo mana ose akaenzana; gonyo rimwe nerimwe riine 90o. Mativi maviri akatarisana anenge akaenzana uye akati sambamba. Skweya rinogona kupinda pamupanda wechiumbwa ichi asi kazhinji tinosarudza kuti skweya rimire roga.
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.
Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.