Chisuvi
From Wikipedia, the free encyclopedia
Chisuvi (apex in English) zvinoreva panosangana huswa hwakapfira denga remba yakavakwa ine madziro akaita denderedzwa seimba yekubikira (kitchen in English) dziri kumaruwa. Denga iri kana richinge rapfirirwa kazhinji rinenge riiine kumbwa kwecharaka. Vamwe vatauri vanoti chiruvi, chidunzwa kana chidunzva.
Shoko rokuti chisuvi rinogona kushandiswawo kutsanangura pachimiso panosangana zviso zvedumba zvine kuumbwa kwegonyanhatu.