Chayina
From Wikipedia, the free encyclopedia
Chayina ( neChiChayina: 中国), zviri pamutemo inonzi Rudhende RweVanhu VeChayina, inyika iri kumabvazuva kweEzhiya. Ndiyo nyika yechipiri ine vanhu vakawanda pasi rose. Nyika yeChayina ine vanhu vanopfuura mabhiriyoni 1.4. Nenzvimbo inosvika 9.6 million square kilometres (3,700,000 sq mi), inyika yechitatu pakukura. Nyika yakakamurwa kuita matunhu makumi maviri nemaviri, matunhu mashanu anozvitonga, maminisipariti mana, uye maSpecial Administrative Regions maviri. Beijing ndiro guta guru renyika, nepo Shanghai ndiro guta rine vanhu vakawanda kudarika maguta ese uyewo ndiyo nzvimbo inoona nezvemari munyika.
Nzvimbo iyi yakagarwa kubva panguva yePaleolithic . Madzinza ekutangisisa, dzakaita seShang neZhou, dzakabuda mubheseni yeRwizi Shava pamberi pekupera kwemireniyamu yechipiri, Kristu asati afa pamuchinjikwa. Zvimwe zvezvakabudirira zvikuru zveChayina sekugadzirwa kweunga nemapepa, mavambo emugwakwa weSirika, uye kuvakwa kweRusvingo Guru —zvakaitika panguva iyi. Tsika dzehumambo dzeChayina (kusanganisira mitauro, zvivakwa, ruzivo nezvimwe) - dzakapesvedzerwa zvakanyaya neMabvazuva Ezhiya.
Chayina inyika inotongwa nebato rinoona nezvematongerwo enyika rimwe chete. Ndiyo imwe yenhengo yeKanzuru yeChengetedzi neDziviriro yeMubatanidzwa weNyika dzepasi rese. Zvakare, inhengo yeBRICS, G20, APEC, SCO, uye Musangano weMabvazuva Ezhiya. Chayina haina kumira zvakanaka pazviyero zvegutsaruzhinji uye kodzero dzevanhu, kusanganisira rusununguko rwevatapi venhau, rusununguko rwechitendero uye kuenzana kwemarudzi.. Chayina ndiyo nyika ine hupfumi hukuru hwepasi rese kana tichiongoroora panyaya dzeGDP, panyaya dzepurchasing power parity. Nyika iyi inoshandisawo zvombo zvenyukiriya, uye ndiyo nyika yekutanga pane uhwandu hwemasoja uye ndiyo nyika yechipiri pabhajeti yemasoja.