From Wikipedia, the free encyclopedia
Black Panther ifirimu rekuAmerika rakabuda mugore ra 2018 rakasikwa kuenderana nemutvarwa (kharekta) wemuMarvel Comics. Firimu iyi yakapurojuswa ne Marvel Studios uye ikaunzwa kuvanhu ne Walt Disney Studios Motion Picture, ifirimu yechigumisere ye Marvel Cinematic Universe (MCU). Yakadhairekitwa na Ryan Coogler, akabetsera kuinyora pamwe na Joe Robert Cole. Vadanhi vayo vanosanganisa Chadwick Boseman sa T'Challa / Black Panther, uyewo Michael B. Jordan, Lupita Nyong'o, Danai Gurira, Martin Freeman , Daniel Kaluuya, Letitia Wright, Winston Duke, Angela Bassett, Forest Whitaker, na Andy Serkis. Mufirimu iyi, T'Challa ndi mambo we Wakanda mukutevera rufu rwa baba wake, T'Chaka, asi umambo hwake hurimunjodzi nekukwemuvengi anoronga kuparadza nokusiya tsika dze nyika yacho nokutanga revholusheni ye pasirose.
|
Wesley Snipes akange aida kupurojusa firimu re Black Panther muna 1992, asi wushumo hwake hauna kubudirira. Muna Gunyana mugore ra 2005, Marvel Studios yakavudza vanhu kuti firimu re Black Panther sechikamu chemafirimu akange aneruvambo muvatvarwa (makharekta) ve Marvel Comics uye yakaunzwa kuvanhu ne Paramount Pictures.
Seamless Wikipedia browsing. On steroids.
Every time you click a link to Wikipedia, Wiktionary or Wikiquote in your browser's search results, it will show the modern Wikiwand interface.
Wikiwand extension is a five stars, simple, with minimum permission required to keep your browsing private, safe and transparent.